Proverbs 26

1Sechando muzhizha kana mvura pakukohwa,
rukudzo haruna kufanira kubenzi.
2Sezvinoita kadhimba pakubhururuka kwako, kana nyenganyenga pakubhururuka kwayo somuseve,
saizvozvowo kutuka pasina mhosva hakuna zvakunoita.

3Tyava yakaitirwa bhiza, matomu akaitirwa mbongoro,
uye shamhu musana webenzi!

4Usapindura benzi maererano noupenzi hwaro,
kana kuti iwe pachako uchafanana naro.

5Pindura benzi maererano noupenzi hwaro,
kuti rirege kuona sokuti rakachenjera.

6Sokuzvigura tsoka kana kunwa bongozozo,
ndizvo zvakaita kutumira shoko noruoko rwebenzi.

7Samakumbo echirema akangorembera ndizvo
zvakaita chirevo mumuromo webenzi.

8Sokusungira ibwe pachipfuramabwe
ndizvo zvakaita kupa rukudzo kubenzi.

9Segwenzi reminzwa riri muruoko rwechidhakwa,
ndizvo zvakaita chirevo chiri mumuromo webenzi.

10Somuwemburi weuta anopfura pose pose,
ndizvo zvakaita anoshandirwa nebenzi kana nomupfuuri zvake.

11Sembwa inodzokera kumarutsi ayo,
ndizvo zvakaita benzi rinodzokorora upenzi hwaro.

12Unoona munhu anozviti akachenjera pakuona kwake here?
Benzi rinotova netariro kupfuura iye.

13Simbe inoti, “Kune shumba kunzira,
shumba inotyisa iri kufamba-famba munzira dzomumusha!”

14Segonhi rinotenderera pamahinji aro,
ndizvo zvinoita simbe pamubhedha wayo.

15Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro;
inoita usimbe hwokutadza kurudzosera kumuromo wayo.

16Simbe inozviti yakachenjera pakuona kwayo
kupfuura vanhu vanomwe vanopindura nenjere.

17Somunhu anobata imbwa nenzeve dzayo,
ndizvo zvakaita mupfuuri anopindira pagakava risinei naye.

18Somupengo unopotsera zvitsiga zvomoto,
kana miseve inouraya,
19ndizvo zvakaita munhu anonyengera muvakidzani wake
uye achizoti, “Ndanga ndichiita zvangu je-e!”

20Pasina huni moto unodzima;
pasina makuhwa kukakavara kunopera.

21Sezvakaita mazimbe pazvitsiga zvinopfuta nehuni pamoto,
ndizvo zvakaita munhu wegakava pakupfutidza rukave.

22Mashoko eguhwa akaita semisuva
yakaisvonaka inodzika mukatikati momunhu.

23Sezvinopenya zvakanamirwa kunze kwomudziyo wevhu,
ndizvo zvakaita miromo inotaura zvinoyevedza, asi nomwoyo wakaipa.

24Muparadzi anozvivanza namatauriro ake,
asi mumwoyo make akaviga ruvengo.
25Kunyange mashoko ake achitapira, usatenda zvaanotaura,
nokuti mumwoyo make mune zvinonyangadza zvinomwe.
26Ruvengo rwake rungavigwa mukunyengera kwake,
asi kuipa kwake kuchabudiswa pachena paungano.

27Kana munhu akachera gomba, achawira mariri;
kana munhu akakungurutsa ibwe, richakunguruka, richidzokera pamusoro pake.

28Rurimi runoreva nhema runovenga varunorwadzisa,
uye muromo unobata kumeso unoparadza.
Copyright information for SnaBDSC